Nehodí se? Vůbec nevadí! U nás můžete do 30 dní vrátit
S dárkovým poukazem nešlápnete vedle. Obdarovaný si za dárkový poukaz může vybrat cokoliv z naší nabídky.
30 dní na vrácení zboží
Bhuku rino rinorondedzera ngano dzandakakura ndichiudzwa naambuya vangu. Pandaikura, kumaruva kwandaigara, taiti kana tichinge tapedza kudya chikafu chemanheru, taigara takakomba choto tichitandara mumba yekubikira. Apa ndoo pataiteerera ambuya vangu vachitaura ngano dzavakange vakakurawo vachinzwa. Mubhuku iri mune ngano dzakasiyana-siyana dzakaitika makare-kare mumasango eZimbabwe. Mungano idzi kazhinji tinoona mhuka dzichikurukurirana pachadzo asi nedzimwewo nguva tinoona zvakare mhuka nevanhu zvichikurukurirana nekugarisana. Ngano idzi kazhinji dzinowandopedzisira nedzidziso yakakosha muupenyu.